Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 31, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vamwe vanhu makumi mana nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti dzatanga kunongorora zvakasimba mashoko ekuti pane imwe mhando itsva yechirwere cheCovid-19 iri kupihwa zita remadunhurirwa rekuti stealth omicron yopararira kuEurope.

Vashandi vehurumende vanoti vanoda kutaura negurukota rezvevashandi kuitira kuti hurumende igadzirise mihoro yavo.

Zanu PF inoramba kutambira komiti yeMashonaland West yakasarudzwa ichiti zvinhu hazvina kufambiswa zvakanaka mudunhu iri.

Citizens Coalition for Change inoti rava bato idzva rakatosiya zvachose zvoser zvine chekuita neMDC

Mukuru weZimbabwe Citizens Forum, uye vari mutsigiri veZanu PF, VaAlex Gakanje Kandishaya, vanoti vachange vachishanyira mahofisi nedzimwe nzvimbo dzinoitirwa misangano yavati yekutengesa nyika nevari mumapato anopikisa.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa hurongwa hwesarudzo dzichaitwa muna Kurume.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG