Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 28, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vamwe vanhu zana nemakumi mashanu nevatatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Dare reNomination Court ravhura zvakare nhasi kuitira kuti ritambire mazita evanhu vachakwikwidza munzvimbo nhanhatu dzedare reNational Assembly idzo dzaive dzambonzi hadziitwe sarudzo dzema by-elections.

Bato reCitizen Coalition for Change, (CCC), nhasi radaidza nhengo dzaro mbiri kuHarare idzo dzakaisa mapepa adzo kuti dzimirire bato iri dzose muWard 4 kuMasvingo

Vashandi vemumabhanga voramba mihoro iri mumadhora emunyika vachiti haana chaachatenga nokudaro vanoda kuti vatambiriswe nemari yekuAmerica uye mihoro yavo idzoserwe pamari dzavaitambira muna 2018.

Varimi vakawanda vanoti kuwandisa kwemvura iri kunaya munyika yose kuchaderedza goho ravo mwaka uno sezvo vave kuda fotireza yakawanda yavasingakwanise kutenga nekuda kwekudhura

Sangano rinomiririra vanotengesi zvinhu mumisika nemumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, rinoti nhengo dzaro dzichange dzoshandisa humhizha hwenharembozha kudzidza kuvhota.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa hurongwa hwesarudzo dzichaitwa muna Kurume.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG