Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 27, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vamwe vanhu zana nemakumi matanhatu nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Citizens Coalition for Change inoti zvinoshamisa zvikuru kuti dare repamusoro nezuro rakati sarudzo dze by elections mumatunhu matanhatu makange manzi nedare rimwe chetero hamufaniri kuitwa sarudzo idzi, dzinofanirwa kuitwa dare iri richizvidza mutongo wedare reSupreme Court.

Zimbabwe Electoral Commission inoti ichatorera matanho akaomarara vanhu vose vachawanikwa vachityora mitemo yesarudzo.

Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti dzinoona pachiita makakatanwa pakati peMDC-T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora neimwe inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe pamusoro pemari inopiwa mapato ane nhengo muparamende.

Izvi zviri kuitika mushure mekuziviswa kwakaitwa nehurumende kuti Zanu PF neMDC dziwo mapato achapiwa mari iyi pasi pemutemo wePolitical Finance Act.

Mugakava ranhasi tine hurukuro nenhengo yeCitizens Coalition for Change neyeMDC Alliance pamusoro pesarudzo dzichaitwa mapato aya achikwikwidzana.


Murwiri wekodzero dzevanhu, Amai Sekai Holland, vanotaura pamusoro pekurwirwa kwekodzero dzavanamuwanikwa varipo kuAustralia kwakatanga makore makumi mashanu apfuura.


Sangano rinomiririra vanotengesi zvinhu mumisika nemumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, rinoti nhengo dzaro dzichange dzoshandisa humhizha hwenharembozha kudzidza kuvhota.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa madzimai akabudirira kunyoresa kuitira kuti akwikwidze musarudzo dzichaitwa muna Kurume.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.


Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG