Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 26, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu gumi nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vamwe vanhu mazana maviri nemakumi matatu nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Dare re Nomination Court rotambira mazita evanhu vachakwikwidza musarudzo dzema by-elections dzichaitwa musi wa 26 Kurume gore rino.

Sangano reMISA-Zimbabwe rogunun’una kuZEC nezvekubhadhariswa mari kwevatori venhau kuti vaongorore sarudzo uye ranyorerawo ZBC richida kunzwa nezvehurongwa hwayo hwekuwanisa mikana yakafanana vose vari kukwikwidza musarudzo sezviri mubumbiro remitemo.

Nyika zhinji dziri muUnited Nations dzinokurudzira Zimbabwe kuti isaine chisungo cheUnited Nations chinorambidza kutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekusabatwa zvakanaka kwezvizvarwa zvenyika.

Sangano reWorld Food Program rinoti mitengo yechikafu, iyo yakakwira zvakanyanya mwedzi wapera, icharamba ichikwira zvakare mwedzi uno zviechienda mberi.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaTapiwa Guzha vari muSouth Africa umo vane chitoro chinogadzira zviwitsichando kana kuti ice cream.

Sangano rePremier Soccer League ratara zuva rinofanira kudzoka mitambo mushure menguva inodarika mwedzi munyika musina nhabvu

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG