Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 25, 2022


Shona Headlines

Vanhu gumi nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vamwe vanhu mazana maviri nemakumi masere nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

MDCT inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora inoti ichandzinga nhengo dzeparamende dzakapinda mudare iri dzichishandisa zita reMDC Alliance kana dzikaratidza kuti dziri kutsigira VaNelson Chamisa avo vakaparura bato idzva riri kudaidzwa kuti Citizens Coalition for Change.

Nekune rumwe rutivi, chimwe chikwata cheMDC-Tchinoti chiri kutungamirwa naMuzvare Thokozani, chinotiwo chiri kuda kudzinga muparamende vose vari kutsigira VaMwonzora.

Dare re Nomination Court rotarisirwa kugara mangwana munyika yose kuti ritambire kana kuramba mapepa evanhu vachada kukwikwidza musarudzo dzema by-elections dzichaitwa musi wa 26 Kurume gore rino.

Dare repamusoro rotarisirwa kupa mutongo waro panyaya yakakwidzwa VaTendai Biti nevamwe vavo muparamende vachiti Zimbabwe Electoral Commission yakatadza kutara nzvimbo dzavo sedzimwe dzichaitwa sarudzo dzema by elections sezvo dare reSupreme Court rakati kudzingwa kwavo kwaive kusiri pamutemo.

Bhanga guru renyika riri kuita misangano yechimbi chimbi nevemabhizimisi yekupangana mazano pamusoro pehupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka zvichitevera kushaya simba kworamba kuchiita dhora remunyika.

Sangano reWorld Food Program rinoti mitengo yechikafu, iyo yakakwira zvakanyanya mwedzi wapera, icharamba ichikwira zvakare mwedzi uno zviechienda mberi.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zvinoreva zuva redzidzo pasi rose, reInternational Education Day iro rakacherechedzwa nezuro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG