Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 24, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

MDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoshandura zita rayo ichiti yava kunzi Citizens Coalition for Change rinova zita richange richishandiswa nebato iri musarudzo dzichaitwa munyika.

Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vanhu makumi manomwe nevanomwe nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 munyika, Doctor Agnes Mahomva, vanoti Zimbabwe yabatsirwa neAfrica Centers for Disease Control and Prevention kudzidzisa nyanzvi uye kuwana michina yekuvheneka mhando dzeCovid-19.

Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva redzidzo, nyanzvi dzichikurudzira hurumende kuti igadzirise matambudziko ari kutyora kodzero yedzidzo kumunhu wese.

Hurumende yatanga nhasi kuendesa chikafu, mishonga nezvinhu zvekushandisa mukuchengetedza vanhu munzvimbo dzinotarisirwa kuita mafashamu emvura nekuda kwemvura zhinji inotarisirwa kunaya kutanga nhasi.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika mubato rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa iro rava kushandisa zita idzva rekuti Citizens Coalition for Change.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG