Vanhu gumi vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vanhu mazana mana negumi nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Vabereki vakawanda vokurudzira kuti zvikoro zvivhurwe sezvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kudzikira.
Asi mukuru anoona nezvekudzivirira chirwere cheCovid-19 munyika, Dr Agnes Mahomva, vanoti zvikoro zvichavhurwa chete kana hurumende yagutsikana kuti zvinhu zvagadzikana.
Zanu PF inoti sarudzo dzayo dzekutsvaka vanhu vachamirira bato iri musarudzo dzichaitwa muna Kurume, dzava kuitwa mangwana, kwete nhasi.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vanotaura vachizvirova dundundu vachiti kunyange hazvo gore ravo rekutanga vari muhofisi ranga rakaoma, vane zvakawanda zvavakakwanisa kuitira nyika yavo.
Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya nyaya yekuti bato reMDC Alliance rinotungamirwa naVaNelson Chamis rochinja zita here kana kuti kwete pamberi pesarudzo dzema by-election dziri kuitwa muna Kurume.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika kuSouth Africa Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum