Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 19, 2022


Shona Headlines

Vanhu vasere vakafa nezuro nechirwere che Covid-19, uye vamwe vanhu mazana mana nemakumi maviri nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

MDC Alliance inoti inovimba kuti nhengo dzayo dzese dzakadzingwa muparamende nemakunzuru dzichadzokera pazvigaro zvadzo musarudzo dzichaitwa muna Kurume

Imwe nhengo yeZanu PF iri kukwikwidza musarudzo dzemakanzura muChinhoyi inoti yakapwanyirwa motokari pamwe nekubirwa zvinhu zvaive mumotokari iyi muchiitiko chainoti chine chekuita nezvematongerwo enyika mubato iri.

Sangano revatori venhau reMISA-Zimbabwe rinoti riri kutarisira kuti vatori venhau muZimbabwe nedzimwe nyika dzemudunhu dzine sarudzo vachatyorerwa kodzero dzavo zvakanyanya.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanogara havo vachitaura kuti hurumende inoda kuti vatori venhau vashande vakasungunuka.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaAlick Sandikonda Sakara, avo vave kugara kuMalawi uko vakavhura chitoro chavo chinotengesa zvekuvakisa dzimba.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa pamwe nezviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG