Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 18, 2022


Shona Headlines

Vanhu gumi nemumwe chete vakafa nezuro nechirwere che Covid-19, uye vamwe vanhu mazana matatu nemakumi masere nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Nhengo nhatu dzeMDC Alliance dzakasungwa nezuro kuMasvingo, dzabvisiswa mari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemaRTGS kuitira kuti vasungwa ava vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Mashoko ebhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reWorld Bank ekuti hupfumi hweZimbabwe huchakwira gore rino aunza kupokana kukuru munyika pakati penyanzvi dzezvehupfumi

Mamwe masangano anomirira vagari vemuHarare ari kukururidzira veruzhinji kuti vasarudze vatungamiriri vanogona basa pamwe nekuita zvido zvavo musarudzo dzema-By-elections dzichaitwa musi wa 26 Kurume.

Vaive murwriri wekodzero dzevanhu uye vaive mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vorangarirwa nemunamato wepadandemutande uchatungamirwa neMethodist Church in Zimbabwe ku United Kingdom neMugovera 22 Ndira, 2022

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa matambiro echikwata che Zimbabwe Warriors kumakwikwi e2021 Afcon.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG