Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 17, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vana vakafa nezuro nechirwere che Covid-19, uye vamwe vanhu zana nemakumi mana nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Nhengo gumi nenhanhatu dzesangano reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe dzakasungwa svondo rapera, dzinopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti dzitongwe dzichibva kumba kwadzo.

Sangano reZimbabwe Electoral Commission rotarisirwa kuva nemakomishina matsva matanhatu zvichitevera kupera kwetemu yemamwe makomishina muna Chikunguru.

America inoita zororo nhasi ichirangarira murwiri wekodzero dzevanhu, muchakabvu Martin Luther King.

Nyanzvi dzehutano dzoyambira vanodanana kuti varapwe pamwe chete zvirwere zvepabonde kuitira kuti zvirwere izvi zvipire mumiviri yavo vose.

Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chotatarika murwendo rwekumakwikwi e2023 World Cup yemutambo uyu.

Zimbabwe yokweshana neGuinea mangwana mumakwikwi eAfcon, asi Zimbabwe ichidzokera hayo kumba panopera mutambo wemangwana.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika kuSouth Africa, Covid-19, pamwe nezviri kuitika kumakwikwi eAfcon ku Cameroon.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG