Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 14, 2022


Vanhu vanomwe vakafa nezuro nechirwere che Covid-19, uye vamwe vanhu mazana matanhatu nemakumi mashanu nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Musangano wekuzeya mihoro nemashandiro evashandi vehurumende, weNational Joint Negotiating Council wabudirira kuitwa nhasi muHarare mushure mekukundikana kuenderera mberi nemusi weChitatu.

Nhengo gumi nenhanhatu dzesangano eAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe dzinomiswa pamberi pedare dzichipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga muHarare musi weChitatu.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatanga nezuro zororo ravo repagore ndokusiyira matomu kumutevedzeri wavo, VaConstantino Guvheya Chiwenga.

Nhengo yeMDC Alliance, VaMakomborera Haruzivishe, avo vakabuda mujeri mwedzi uno vanoti munyika hamuna rusununguko rwechokwadi nokudaro vana veZimbabwe vanofanirwa kuzvisunungura kubva pajoki rehutongo hwehudzvanyiriri.

Vamwe vagari vemuguta reMutare vari kunyunyuta zvikuru nekusatakurwa kwemarara kwenguva yakareba munharaunda dzavanogara.

Zimbabwe iri kutatsurana neMalawi nhasi kuCameroon kumakwikwi eAfcon Group B

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika pamwe nezviri kuitika kumakwikwi eAfcon uko Zimbabwe iri kutamba neMalawi kuCameroon..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG