Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 13, 2022


Vanhu gumi nevana vakafa nezuro nechirwere che Covid-19, uye vamwe vanhu mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevasere vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Bato reZanu PF nhasi ratanga kutambira magwaro evanhu vanoda kumirira bato iri musarudzo dze by-elections achaitwa muna Kurume uyewo rinoti richaita sarudzo dzema primary musi wa20 mwedzi uno.

Zimbabwe Electoral Commission inoti ichazivisa munguva inotevera paimire pagwaro rayakanyorerwa neMDC-T ichiti ndiyo chete ichashandisa zita rekuti MDC Alliance musarudzo dze by elections.

MDC Alliance inotiwo ichazivisa paimire munguva inotevera kuti ichapinda musarudzo ichishandisa zita ripi.

Bato idzva reIdeas Party for Democracy rinoti harisi kupinda musarudzo dze by-elections sezvo kuita izvi kuri kutambisa mari nenguva

Hurumende yoshorwa nekusaferefeta zvakadzama kupambwa kuri kuitwa vanopikisa munyika.

Sangano rinomirira vashandi vemakanzuru emumaguta nemadhorobha, reZimbabwe Urban Council Workers’ Union rinonyorera makanzuru ose emunyika richida kuti vashandi vabhadharwe mihoro yavo nemari yekuAmerica richiti vashandi vaomerwa zvikuru sezvo mari yemunyika isina chaichatenga.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG