Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 12, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu makumi maviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vanhu mazana manomwe nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti musangano waro wekutsvaga vatungamiri vatsva uchaenderera mberi mangwana padandemutande senzira yekudzivirira mhirizhonga pamwe nekupararira kwedenda reCovid-19.

Zimbabwe Electoral Commission inoti iri kuenderera mberi negadziriro dzesarudzo dzemaBy-Elections dzichaitwa musi wa26 Kurume uye iri kukoka vanoda kuongorora sarudzo idzi pamwe nevatori venhau kuti vange vanyoresa kukomisheni iyi musi 22 Kurume usati wapfuura.

Hurumende inoudza vagari vemuHarare kuti kanzuru yeHarare ichaenderera mberi nekupwanya zvivakwa zviri kunze kwemutemo uye vose vanotengesera mukati meguta reHarare zviri kunze kwemutemo vachabviswa.

Zimbabwe yomirirwa kumusangano weSADC kuMalawi wekuzeya mhirizhonga iri kuitika kuMozambique nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira gavhuna webhanga renyika, Doctor John Mangudya, kuti vasiyane nekuti nyika ishandisa dhora remunyika apo vachaparura hurongwa hwekufambiswa kwemari mukupera kwemwedzi uno.

Vanhu vakawanda munyika vari kutaura pamusoro pemutambo weZimbabwe neSenegal wakatambwa nezuro kuCameroon.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki apo nyika yatarisana nesarudzo dzema by elections

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG