Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 07, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu gumi nevatanhatu (16) vakafa nechirwere checovid-19 munyika yose, uye vamwe vanhu chiuru chimwe chete nezana nemakumi maviri nemumwe chete (1,121) vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Nyanzvi dzezvehutano dzoshushikana nehuwnadu hwevanhu vari kuenda kunobaiwa nhomba yetatu yekudzivirira Covid-19, dzichikurudzira hurumende kuti itange zvirongwa zvinoita kuti vezvehutano vapinde muvanhu vachibaya nhomba dzose dziri nhatu.

Nhengo yeMDC Alliance, VaJohn Mupanduki, vapambwa mambakwedza nhasi pamba pavo paNyika Growth point kuBikita muchiitiko chinofungidzirwa kuti chine zvematongerwe enyika mukati.

Masangano anoongorora sarudzo munyika akazvimirira okurudzira mapato ezvematongerwo enyika kuti atsvake masangano akazvimirira kuti aitise sarudzo dzemapato aya senzira yekuderedza chikiribidi pamwe nekuti vanenge vasarudzwa vagamuchirike kuvanhu.

Dare redzimhosva rinopa nhengo yeMDC A, Makomborero Haruzivishe, mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure mekugara mwedzi inoda kusvika gumi ari mujeri.

Vamwe vashandi vehurumende vari kushora danho rinonzi riri kuda kutorwa nehurumende rekuvapa mari iri mumadhora ekuAmerica yekuti vabatsirike munguva yeCovid-19 vachiti chavanoda mihoro iri mumari yemadhora ekuAmerica.

Hurumende inoti haina mari yekupa vatsigiri vechikwata chema Warriors kuti vaende kuCameroon kunotsigira chikwata chavo chiri mumakwikwi eAfcon.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19 pamwe nemakwikwi eAfcon panguva iyo Fifa yakatarisirwa kutemera Zimbabwe zvirango.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG