Vanhu gumi nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu chiuru chimwe chete nezana matatu nemakumi manomwe nevapfumbamwe, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotara zuva richaitwa sarudzo dzema by elections MDC T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora ichiti ichapinda musarudzo idzi ichishandisa zita rekuti MDC Alliance.
America inorangarira mhirizhonga yakaitika pamuzinda weparamende muWashington DC musi waNdira 6, 2021.
Dare redzimhosva rinorasa nyaya yevagari vekuChilonga avo vanga vachipikisa kutorwa kweminda yavo kuitira kuti ishandiswe semafuro emombe dzemukaka dzekambani yeDendary.
Vamwe vashandi vehurumende vanoti kunyange hazvo vari kufara nemari yekubatsirikana munguva ino yeCovid-19, vanoti kuti hurumende ivabhadhare mihoro yavo nemari yekuAmerica.
Vezvematongerwo enyika vozeya mafambisirwo anonzi akaitwa sarudzo dzematunhu makuru dzebato riri kutonga reZanu PF, idzo dzinonzi nedzimwe nhengo dzebato iri dzakanga dziine chikiribidi chanyanya, asi vamwe vachiti dzakafambiswa zvakanaka uye dzinoratidza kuti mubato iri mune gutsaruzhinji.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kusangana pamwe nezviri kuitwa nevanhukadzi
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum