Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 05, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu makumi matatu nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu chiuru nezana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemumwe chete, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba yeCovid-19 sezvo chirwere ichi chiri kuramba chichiuya nedzimwe mhando seimwe itsva inonzi yakawanikwa kuFrance asi ichiri kuongororwa.

Zanu PF yoita musangano wayo wePolitburo wekuzeya zvichemo zvakabva kumatunhu zvichitevera kusawirirana kuri mubato iri pamafambisirwo akaitwa sarudzo dzematunhu.

Nhasi tine hurukuro naVaBevan Makaka, vari muguta reDallas mudunhu reTexas muno muAmerica, avo vanobatsira nekubhadharira vana vanoshaya mari dzechikoro pamwe nevaimbi vakasiyanasiyana.

Mudzimai wemutumgamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, vanoti vari kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kurambana mudzimba.

Vatsigiri vechikwata chema Warriors vokumbira hurumende rubatsiro rwemari kuitira kuti vakwanise kuenda kuCameroon kunotsigira chikwata chavo chiri mumakwikwi eAfcon.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG