Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 04, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu gumi nevashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana maviri nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Kanzuru yeChitungwiza inoti haichaendereri mberi nekupwanya zvivakwa zvevagari vemudhorobha iri zvainoiti zvakavakwa zviri kunze kwemutemo mushure mukunge vagari vedhororobha iri vapikisa hurongwa uhwu vachiti zvaida kuitwa nekanzuru iyi zvaizvidza mutongo wakaturwa nedare repamusoro gore rapera.

Varairidzi vari kumaka bvunzo dzeGrade 7 vanonzi vari kupokana nedanho reZIMSEC rekuti vatange vaburitsa magwaro anoratidza kuti vakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 vasati vatanga basa.

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vatenda kuti mari dziri kuwedzerwa vari pamudyandigere neNational Social Security Authority kutanga mwedzi uno hadzikwani nekuda kwekushaya simba kwedhora asi vachiti havo atsunya arwa.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munhabvu zvichitevera kukundikana kweZimbabwe kutevedzera zvakatarwa neFifa

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG