Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 03, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu gumi nevashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

South Africa vosunga nekudzorera zvechisimba zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvapinda munyika iyi zvisiri pamutemo.

Vezvematongerwo enyika vanoti gore ra 2021 ranga risina kumira zvakanaka munyaya dzekodzero dzevanhu.

Zimbabwe inokundikana kuzadzisa huwandu hwevanhu vayanga ichifanirwa kubaya nhomba yeCovid-19 kusvika pakupera kwegore ra 2021.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe neveruzhinji vopa maonero avo pamamiriro anga akaita zvinhu munyaya dzehupfumi muna 2021.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika mugore idzva ra 2022.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG