Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 30, 2021


Shona Headlines

Vanhu makumi maviri nevanomwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zviuru zviviri nezana nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vakawanda vanotarisira zviri kubuda mukuverengwa kwemavhoti musarudzo dzehutungamiri hwematunhu muZanu PF, idzo dzinonzi dzaiva nemhirizhonga mumamwe matunhu pamwe nekupomerana kubiridzira mavhoti.

Kanzuru yeChitungwiza inopa vese vakavaka zvisiri pamutemo panzvimbo yemabhizimisi yeTown Centre kuti vaputse zvivakwa zvavo mukati memaawa makumi mana nemasere ari kutevera ichiti kana vakasaita izvi, kanzuru ichaputsa zvivakwa izvi yega.

Mamwe mapato anopikisa ari kupomera hurumemde mhosva yekushandisa mitemo yeCovid-19 kutyora kodzero dzevanopikisa nekuvasunga kana vakaungana nekurambawo kuita sarudzo dzema by-election asi Zanu-PF ichibvumidzwa kuita sarudzo dzayo yakatochengetedzwa nemapurisa pasina kutevedzerwa mitemo yeCovid-19 kunzvimbo dzakawanda.

Studio7 inotarisa zvakadzama mamiriro anga akaita zvinhu mugore ra 2021

Muchirongwa cheWomens RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munguva ino yekupeta gore ra 2021.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG