Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, Zvita, 28, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu makumi matatu nevaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.

Nhengo yeMDC Alliance, VaMakomborero Haruzivishe, avo vave nenguva yakareba vari mujeri, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro.

Nhengo dzeZanu-PF dzomirira zvakabuda musarudzo dzematunhu nezuro asi vamwe vachinyuta kuti hadzina kufambiswa zvakanaka.

Asi vanopikisa vanoti vari kushamisika kuti sei Zanu-PF iri kuenderera mberi ichiunganidza vanhu yakachengetedzwa nemapurisa asi ivo vachirambidzwa kana kupa vakaremara nevakwegura zvekudya.

Vabereki vakawanda munyika vochema chema kuti zvikoro zvakakwidza mari yekotoro inotevera zvakanyanya vachiti izvi zvichakanganisa dzidzo yevamwe vana. Zvikoro zveBoarding zvave kubhadharisa mari iri pakati pezviuru makumi matanhatu nezviuru makumi mapfumbamwe zvemaRTGS pakotoro imwe chete.

Chikwata chemaWarriors chadomwa nhasi chosimuka chakananga kumakwikwi eAfrica Nations Cup kuCameroon.

Muchirongwa cheLive Talk Diaspora Forum na 8pm tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nezvevanosangana nazvo muhupenyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG