Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 24, 2021


Vanhu makumi maviri nevanomwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu chiuru chimwe hete nemazana mapfumbamwe nemakumi mana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vakawanda vanotadza kutora mari dzavo kumabhanga yekuti vashandise pazororo rekisimusi.

Veruzhinji vanoti kisimusi yegore rino ichange yakavaomera sezvo vasina mari yekutenga zvinhu.

Vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika votaura pamusoro pezororo rekisimusi negore idzva.

Vanoita zvemitambo vakawanda vanoti gore rino vari kushanyira hama neshamwari kumaruwa sezvo vapedza nguva yakawanda vasati vaona hama neshamwari nepamusana pedenda reCovid-19.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa gadziriro iri kuitwa nevanhu munguva ino yezororo rekisimusi negore idzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG