Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 21, 2021


Vanhu gumi nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vanhu zviuru zviviri nemazana maviri nemakumi masere nevatatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vakamiswa zvakare basa sameya weHarare, VaJacob Mafume, vanoti vari kushushikana zvikuru nezviri kuitwa nehurumende zvekugara ichivamisa basa ivo vasina mhosva yavakapara.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzakawanda dzinoti mari inosvika mamiriyoni makumi matatu emadhora ekuAmerica yakaiswa parutivi kuitira kuti ibatsire vemabhizimisi vanotengesa zvinhu kunze kwenyika, ishoma zvikuru pachitariswa zviri kudiwa. Mari iyi iri kubva pamari inodarika mazana mapfumbamwe emamiriyoni emadhora ekuAmerica akapihwa Zimbabwe neInternational Monetary Fund kuti ibatsirikane.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu muBotswana onyengetedza hurumende yenyika iyi kuti inzwire tsitsi varume vemuZimbabwe vakatiza muchiuto vakanopetera kuBotswana kuti vasadzoserwe kuZimbabwe zvichisimba.

Vechidiki vanoti gore rino ra 2021 ranga rakavaomera zvikuru uye vari kutarisira kuti gore ra2022 richange riri nani.

Makundano enhabvu yepamusoro ePremier Soccer League apinda muzororo kutanga nhasi kusvika makwikwi eAfcon apera.

Sangano reFifa rinoti riri kushushikana zvikuru nemamiriro akaita hukama kweSports and Recreation Commission neZifa izvo rinoti zvinogona kuvhiringa mitambo yeZimbabwe nedzimwer nyika.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika panguva iyo Zimbabwe yakatarisana nedambudziko reOmicron Variant.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG