Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 17, 2021  


Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu gumi nevaviri vakafa neCovid-19, uye vamwe zviuru zvina nemazana maviri ane makumi mana nevanomwe, kana kuti 4 247, vakawanikwa vaine denda iri nezuro wakare.

Sangano reWorld Health Organization roshushikana nekutadza kwenyika dzemuAfrica kuva nezvikamu makumi mana kubva muzana zvevanhu vabayiwa zvizere nhomba yeCovid-19 panopera gore rino.

Zimbabwe inoyambira vashandi vayo vehurumende vasina kubayiwa zvizere nhomba yekudzivirira denda reCovid -19 kuti ichatanga kutorera vashandi ava matanho kutanga musi wa 1, Ndira.

Magweta anorwira kodzero dzevapoteri oedza kutaura nehurumende yeBotswana kuti isadzosere zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri munyika iyi, izvo zvakaramba kudzokera kumusha zvichiti zviri kutyira hupenyu hwazvo kuZimbabwe.

Mitambo yenhabvu yeCastle Larger Premier Soccer League iri kutsviriridza mangwana munzvimbo dzakasiyana siyana munyika yose.

Ukuwo vagari vekuMasvingo vopemberera kudzoka kwemitambo yenhabvu yeZifa Eastern Region Division One ichange ichitambirwa muMucheke Stadium mukupera kwesvondo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika mudambudziko rechirwere cheCovid-19 chakatarisana nenyika pamwe nepasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG