Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 09, 2021


Misoro yeNhau

Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zviuru zvina nemazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzoshushikana nekusabuta pachena kwehurumende pahuwandu hwevanhu vari kubatwa vaine mhando itsva yeCovid-19, yeOmicron Variant.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vanokokera musangano wepadandemutande wekutanga wekuzeya hutongi hwejechetere pasi rose uchipindwa nevatungamiri venyika dzakasiyana siyana pasi rose asi Zimbabwe isiri mumusangano uyu.

Zimbabwe inobatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekurwisa huori reInternational Anti-Corruption Day.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu oshushikana nekupomerwa kwaari kuitwa mhosva yekunzi ari kushanda nenyika dzekunze nechinangwa chekukonzera kusagadzikana munyika.

Hurumende iri kushorwa nevanopikisa ichinzi iri kupa nerudyi, yotora neruboshwe, pakuvandudza kwayo mitemo inonzi nevanorwira kodzero dzevanhu inombunyikidza kodzero dzeveruzhinji munyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muBotswana zvinoti zviri kundikana kutora magwaro ekuzvarwa kwevana vazvo munyika sezvo mari dzinodiwa dzakawandisa zvikuri kune avo vanoshaya.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG