Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 02, 2021 


Misoro yeNhau

Masangano anomirira vatori venhau ari kushushikana zvikuru nehurongwa hwehurumende hwekuda kudzika mitemo yakaita seCyber Security and Data Protection Act, Patriotic Act nePrivate Voluntary Organisations Amendment Act, achiti izvi zvinodzorera shure budiriro yange yavepo zvichitevera kubviswa kwemitemo yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act (AIPPA).

Mapurisa apihwa mazuva manomwe kuti aferefete rufu rwenhengo yeMDC Alliance VaNyasha Zhambe Mawere vanonzi vakapondwa mwedzi wapera nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Mamwe madzimai anorarama nekuita zvepabonde kuKariba neChirundu anoti anosangana nedambudziko remhirizhonga uye haachawana mari yakawanda munguva ino yeCovid-19 zvichienzaniswa nenguva yekare denda iri risati ranetsa munyika.

Hurumende inoti vanhu mazana manomwe negumi nevaviri vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro

Mabhanga emuSouth Africa anonyorera zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika kuti zvagadzirise magwaro azvo gore rino risati rapera kutadza kuita izvi, mabhanga aya anovhara mabhuku azvo ekumabhanga,

Vezvematongerwo enyika vozeya mashoko emutungamiri wenyika ekuti sarudzo dzema by-election dzichaitwa muna Kurume gore rinouya, uye hapana kuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo kuchaitwa zvakare sezvo Zimbabwe iine mitemo yakanaka kudarika dzimwe nyika nechakare.

Chirongwa chiri kuitwa nesangano reInternational Committee of the Red Cross chiri kubatsira vamwe vanhu vanenge vasisazivikanwi kuti varipi, mushure mekuenda kunoshava kuSouth Africa, kuti vabatanidzwe nehama dzavo.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa matambudziko ari kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG