Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 24, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vanhu vakashaya nekuda kwechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu makumi matatu nevatatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakatora masimba mushure mekunge mauto apidigura hurumende yemushakabvu, VaRobert Mugabe, vasvitsa makore mana nhasi vari muhofisi paine muonero akasiyana maererano nemashandiro avari kuita pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vagari vekuChitungwiza, Muzvare Alice Kuvheya, vawanikwa nedare vasina mhosva pamhosva yavanga vachipomerwa yekukurudzira vagari vemuChitungwiza kuita zvemhirizhonga

Vakaremara vari kukurudzira gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo vari kuparura bhajeti ravo ra2022 mangwana, kuti vawedzere mari yekubatsirikana yavanopihwa nehurumende.

Hurumende inoti iri kushushukana zvakanyanya nekukura kuri kuita dambudziko remhirizhonga ine chekuita nevanhukadzi pamwe neavhurume, kana kuti Gender Based Violence.

Chikwata cheZimbabwe chemaLady Chevrons mangwana mangwanani chiri kupinda munhandare mumutambo wekuedzana masimba nechikwata chekuAmerica icho chiri muZimbabwe nemuAfrica kekutanga mumakundano eICC World Cup Qualifier

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG