Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 23, 2021


Shona Headlines

Vanhu makumi maviri nevanomwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye hapana munhu akashaya nekuda kwechirwere ichi nezuro wekare.

Sangano reInternational Institute for Democracy and Electoral Assistance rinoisa Zimbabwe pakati penyika dzinonzi dziri kutyora kudzokero dzevanhu munguva yedenda reCovid-19.

Vakuru vakuru mukanzuru yeHarare nemuhurumende vanoudza paramende kuti kuwedzerwa kwekukura kweguta reHarare pasina hurongwa hwakajeka hwemvura ndiko kuri kuwedzera matambudziko emvura muguta iri.

Gurukota rezvemari, Va Mthuli Ncube, vari kutarisirwa nemusi weChina kuparura bhajeti remari yenyikaregore rinouya vachivimbisa kuti rinenge rakanangana nekusimudzira varombo.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika anoti haasi kufara nedanho rakatorwa neZimbabwe Electoral Commission rekumbomisa chirongwa charo chekupinda muvanhu kuitira kuti vanyorese kuvhota zviri nyore achiti kumbomiswa kwechirongwa ichi muna Zvita kunokanganisa kuitwa kwesarudzo zvakanaka.

Zimbabwe Rugby Union inoti ichabika dombo kusvika raibva nechinangwa chekuti chikwata chenyika chemaSables chibudirire kuenda kumakwikwi e2023 World Cup kuJapan.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG