Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau China, Mbudzi 11, 2021


Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 n uye van vechikoro makumi matatu nevana vakabatwa nechirwere ichi.

Vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaFrederick Willen de Klerk mutungamiri wehurumende yekupedzisira yehundzvanyiriri kana kuti apartheid vashaya nhasi vave nemakore makumi masere nemashanu.

Dare reHigh Court romisa muzvinabhizimisi VaTonderai Nhende kuvaka mumatoro ari kuMbare.

Mumashoko kuvatori venhau, Zimbabwe Anti-Corruption Commission inoti yasunga mukuru weMurewa Rural District Council VaAlois Gurajena nenyaya yehuori pakugovera minda pane rimwe purazi

Vezvematongerwo enyika vozeya nyaya yekuti sarudzo dzema by-election dzingangoitwa gore rinouya zvichitevera mashoko emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro pamwe neZEC svondo rapera ekuti sarudzo idzi dzichaitwa muchikamu chekutanga chegore rinouya.

Munhau dzemitambo, Zimbabwe yotamba neSouth Africa na9 manheru ano kuFNB Stadium, Johannesburg, mumutambo weFIFA World Cup, Qatar 22. Ghana iri kutambawo neEthiopia mugungano rimwe chete reGroup G iri.

Muchirongwa cheWomen’s Round Table na8 pm manheru ano, tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai kuti vararamise mhuri munguva ino hupenyu hwanyanya kuoma nekuda kwedenda reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG