Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Chitatu, Mbudzi 10, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.

Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika nevakarwa hondo yerusungunuko Amai Oppah Muchinguri Kashiri vanoti vakarwa hondo yerusungunuko vachapihwa imwe mari yavo yemabhonasi iri mumadhora ekuAmerica.

Tsvakurudzo yeZimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZIMSTATS inoti pane vanhu vanodarika mamiriyoni mazana matatu vane mabasa munyika uye vazhinji vari kuzviitira mabasa emaoko.

Vamwe vabereki vane vana vari pachikoro cheGokomere vonyorera vakuru vemapurisa kuti vaferefete kurohwa zvakaipisisa kunonzi kwakaitwa vana vavo nemapurisa svondo rino mushure mekuratidzira.

Nhasi muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, tine hurukuro naMuzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, avo vanodzidzisa paTswane University of Technology kuSouth Africa uye vari muongorori wezvematongerwo enyika.

Muchirongwa cheDiaspora Forum na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 uye tiri kuzeya nyaya yezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa pasi pechirongwa cheZimbabwe Special Permits chiri kupera musi wa 31 Zvita, hapana kujeka kuti zvichawedzerwa makore ekushanda zviri pamutemo here munyika iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG