Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 9, 2021


Bazi rezvehutano rinoti vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.

Tine hurukuro nemukuru anoona nezvekurwiswa kwechirwere cheCovid-19 munyika Dr. Agnes Mahomva nezvekupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro. Vana makumi masere vabatwa nechirwere ichi mumazuva manomwe adarika.

Kanzuru yeHarare nhasi yaparura bhajeti rayo ra2022 remabhiriyoni makumi mana nerimwe ichiti chinangwa chikuru kuwanisa vanhu mvura yakachena nezvimwe uye ichawedzera mari yemitero nezvikamu makumi maviri nemasere.

Bazi rezvehutano rinoti riri kushushikana zvakanyanya nenyaya yekuti vanhu vakawanda munyuka vave kurwara nechirwere chepfungwa.

Dare repamusoro reHigh Court nezuro rakapa mutongo wekuti varume vanokwanisa kutorera vana vavo magwaro avo ekuzvarwa kana kuti mabirth certificate amai vacho vasipo.

Tine hurukuro nemutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance VaTendai Biti nezvekuda kuvandudzwa kwemutemo une chekuita nemasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organization Act zvaunza mutauro munyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi dzozeya mashoko eboka revezvitoro ekuti boka iri rakakura nezvikamu zvishanu nechiga chimwe kubva muzana kana kuti 5.1 percent mugore rino kunyange hazvo rakasangana nezvimhingamipinyi zvakawanda zvakakonzerwa nedenda reCovid-19.

Muchirongwa cheveChidki cheThe Connection na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 uye zviri kuitwa nevechidiki kusimudzira hupfumi munguva yekurwisana nedenda iri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG