Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chishanu, Mbudzi 05 2021


Shona Headlines

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro manheru kuti munhu mumwechete akafa neCovid-19, uye vamwe makumi maviri nemumwe (21) vakawanikwa vaine denda iri nezuro wakare, vatatu vavo vari vana vechikoro, vaviri kuManicaland nemumwechete ku Matabeleland North.

Vanhu vopa maonero avo pagwaro rinonzi rakabva kuZimbabwe Electoral Commssion riri kutenderera richitaura kuti sarudzo dzema by-election dzeparamende nemakanzuru dzingangoitwa musi wa 22 Kubvumbi 2022, kunyange hazvo gwaro iri risina chidhindo cheZimbabwe Electoral Commission kana kusainwa sezvonitarisirwa. Studio 7 yakundikana kubata mutauriri weZEC, VaUtoile Silaigwana kuti tinzwe divi ravo.

Vanorwira kodzero dzevanhu voshushikana nemashoko ehurumende ekuti yakaumba chikwata chichange chichiongorora zvinoburitswa nevana veZimbabwe pamadandemutande bhiri reCyber risati rave mutemo.

Apo zororo reKisimusi roswedera, vamwe vana muzvinabhizinesi muguta reFrancistown, muBotswana vochemachema vachiti kuvharwa kwemabhodha eZimbabwe k uchaita kuti varasikirwe nemari, ukuwo zvizvarwa zveZimbabwe zvinorarama nekutenga nekutengesa zvichiti zvodya nhoko dzezvironda.

Zimbabwe Energy Regulatory Authority, kana kuti ZERA, inoti yawedzera mari yemafuta ekufambisa dzimotokari pane vanotenga nemadhora emunyika kutanga nhasi, asi vakawanda vanoti hakuna vari kutenga mafuta aya nemari yemunyika sezvo vanotengesa vachida mari yekunze.

Zvikwata zvenhabvu muZimbabwe zviri kupinda mumakundano eCastle Lager Premier Soccer League kwapera makore maviri kusina mitambo asi paine mitaura pamari dziri kunzi dzibhadharwe pamagedhe.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk nhasi manheru na8pm, tiri kukurukura nezvedenda reCovid-19 pamwe nemazuva anonzi angangoitwa sarudzo yema by-election, kunyange hazvo ZEC isati yazivisa zviri pamutemo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG