Bazi rezvehutano rinoti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.
Nhasi tiri kuenderera mberi tichitaura nenyanzvi dzezvemamiriro ekunze tichitarisa zviri kubuda kubva kumusangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze unokokerwa neUnited Nations weCOP26 kuGlasgow, Scotland
Vagari vekwaChiadzwa makumi maviri nevasere vomiswa pamberi pedare maMutare vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga kuAnjin Diamond Mining Company.
Musarudzo dzemagavhuna dzakaitwawo nezuro, VaGlenn Youngkin veRepublican Party vanokunda VaTerry McAuliffe veDemocratic Party mudunhu reVirginia, kuchitiwo kudunhu reNew Jersey kuchine mangange pakati pagavhuna VaPhil Murphy veDemocratic Party nevari kuvakwikwidza VaJack Ciattarelli veRepublican Party. Musarudzo yameya weNew York City, VaEric Adams ndivo vachave meya wechitema wechipiri mushure mekukunda musarudzo dzanezuro.
Muchirongwa chedu cheDiaspora Forum nhasi manheru, na8pm tiri kukurukura nezvemusangano uri kuitwa kuScotaland nezvekushanduka kwemamiriro ekunze uye sarudzo dzakaitwa muAmerica nezuro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum