Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 02, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nacho kusvika parizvino vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi manomwe nemapfumbamwe kana kuti 4, 679.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti Zimbabwe yakazvipira kuderedza kusvibiswa kwemweya unofemwa nevanhu asi vakati zvirango zviri kuvakanganisa kuti vaite hurongwa uhu. VaMnangagwa vari kumusangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze unokokerwa neUnited Nations weCOPE26 kuGlasgow, Scotland.

Hurumende yoda kudzika mutemo wekusunga zvizvarwa zvenyika zvainoti zviri kukokera zvirango kunyangwe vakatemera zvirango izvi vari kuti ikaremekedza kodzero dzevanhu zvinobviswa.

Nyanzvi munyaya dzezzvehupfumi dzopa maonero akasiyana pamashoko egurukota rezvemari Muzvanafundo Mthuli Ncube, ekuti zvigadzirwa zvemunyika zvakakwira mumwedzi mipfumbamwe yekutanga kwegore rino kusvika muna Gunyana, paine tarisiro yekuti makambani anenge oshanda kusvika pazvikamu makumi matanhatu nechimwe kubva muzana panopera gore rino.

Muchirongwa chedu chevechidiki, cheThe Connection, nhasi manheru, na8pm. Tiri kukurukura nezvemusangano uri kuitwa kuScotaland nezvekushanduka kwemamiriro ekunze uye tichataurawo nevechidiki nezvemamiriro akaita hupfumi hwenyika uye zvavari kuitawo kusimudzira hupfumi munguva yeCovid-19

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG