Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 28, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Nhumwa yeUnited Nations yanga ichiongorora nyaya yezvirango zvainoti zvakatemerwa Zimbabwe, Amai Alena Douhan, vakurudzira Zimbabwe kuti iite nhaurirano nenyika dzaikatemera zvirango izvi.

Zanu PF inoenderera mberi nemusangano wayo weAnnual National People’s Conference nhengo dzeCentral Committee dzichisangana muHarare apo mutungamiriri wayo, VaEmmerson Mnangagwa, vatenda nhumwa yeUnited Nations, Amai Elana Dohan, nekutura gwaro rekuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe, zvibviswe.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti ongororo yakaitwa nenhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, kutungana kwembudzi

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya gwaro renhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, panyaya yekuti zvirango zviri kukanganisa zvakadii hupenyu hwevanhu muZimbabwe pamwe nekurudziro yavo yekuti zvirango izvi zvibviswe uye munyika muitwe nhaurirano dzakarongeka.

Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vorara zvakare muchitokisi zvichitevera kukundikana kwedare ramajesitireti kupa mutongo waro pazvinyunyuto zevasungwa ava.

Zifa Northern Region inoti iri kushanda zuva nemasikati mukuisa matanho ekudzivirira chirwere cheCovid 19 kuitira kuti mitambo isazomiswa nemhaka yechirwere ichi kana yatanga.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa matambudziko anosangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG