Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 27, 2021


Dare rekwaMutare rinorasa chikumbiro chekubvisa mari yechibatiso chakaitwa nemurume akasungirwa mhosva yekubhinya pamwe nekukonzeresa kufa kwemwanasikana aive nemakore gumi nemana uyo ainge atora semukadzi wake

Mashoko atiri kutambira anoti mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vatambirwa nemhirizhonga kuHurungwe kuMashonaland West uko vari kusangana nevatsigri vavo.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hurumende yavo yakazvipira kupedza mhirizhonga dzinoitika mudzimba.

Zanu PF yatanga nhasi musangano wayo wepagore, Politiburo ichisangana muHarare kuti itambire magwaro achaturwa kumusangano uyu kuBindura nemusi weChishanu.

Dhora remunyika rakadonha nezuro nezvikamu zvinodarika zvina kubva muzana pamusika weReserve Bank of Zimbabwe foreign currency auction system.

Nhumwa yeUnited Nations iri muZimbabwe inoti zvirango zvainoti zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica pamwe nenyika dzemu European Union ngazvibviswe.

Nhasi tine hurukuro nechizvarwa cheZimbabwe, VaSolomon Tembo, avo vari kukwikwidza zvakare musarudzo yemusi wa 02 Mbudzi yekutsvaga meya wedhorobha reAllentown mudunhu re Pennsylvania muno muAmerica.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG