MDC Alliance iri kukurudzira sangano reSADC kuti rive mutongigava pagakava riri muZimbabwe zvichitevera kurudziro yeSADC yekuti munyika muitwe nhaurirano.
Musangano wepagore weZanu PF weNational People’s Conference, waifanirwa kutanga neMuvhuro kuBindura mudunhu reMashonaland Central wotarisirwa kutanga mangwana Chitatu bato iri richiti rakaderedza mazuva emusangano uyu sedanho rekuderedza kutapuriranwa kweCovid-19, kunyange hazvo vamwe vachiti mubato iri hamuna kudhonzera pamwe chete
Vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vamwe vanhu makumi matatu nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Vamwe vevaimbove varwiri vehondo yerusununguko vasungwa mushure mekuungana muguta reHarare vachinyunyuta pamusoro pemari shoma dzemudyandigere dzavanopihwa idzo vanoti dziri kuita kuti hupenyu hwavo huvarwadze.
Chikwata cheZimbabwe Netball team chiri mukamba umo chiri kugadzirira makundano ePent Series neAfrica Netball Championships ayo achatambirwa mu Windhoek, kuNamibia.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum