Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 25, 2021


Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.

Nyika dzemuSADC dzobatana neZimbabwe dzichikurudzira kuti zvirango zvakatemerwa vatungamiri vehurumende nemakambani avo zvibviswe.

Asi veAmerica neEuropean Union vanoti zvirango zvakatemerwa vashoma kwete ruzhinji rweZimbabwe uye hazvimisi nyaya dzekutengeserana.

Nhengo yeZanu PF, VaSybeth Musengezi, avo vakaenda kumatare edzimhosva vachiti kusarudzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa kuti vafanobata matomu kwaive kunze kwemutemo, vanoti vachakamirira kunzwa divi raVaMnangagwa panyaya iyi.

Vanhu vari kuramba vachingokosora kwenguva yakareba vokurudzirwa kuenda kunoona vanachiremba

PSL inoti mitambo yose yeChibuku Super Cup yasara ichatambirwa kuBaobab Stadium kuMhondoro Ngezi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yhezvirango uye makakatanwa ari mubato reZanu-PF ratarisana nemusangano waro wepagore kuBindura svondo rino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG