Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 22, 2021


Shona Headlines

Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, seAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, raendesa ZCTU kumatare edzimhosva zvichitevera kurambidzwa kuenda kukongiresi yeZCTU svondo rinouya kunonzi kwakaitwa nhengo dzaARTUZ.

Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika, uye vanhu makumi mashanu nevatatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vapoteri zana nemakumi maviri nevashanu vanonzi vakatiza kuTongogara Refugee Camp vachinopotera kuBotswana vachiti vaiyaura nenzara muZimbabwe.

Nyaya yezvirango yotsviriridza muZimbabwe panguva iyo nhumwa yeUnited Nations iri muZimbabwe ichiongorora kuti zvirango izvi zviri kuvhiringa zvakadii hupenyu hwevanhu uye kuti nyaya dzekodzero dzevanhu dzakamirawo seyi munyika.

Madzimai echidiki muMDC Alliance mudunhu reHarare West anoti ari kupinda muvanhu achikurudzira veruzhinji kunyoresa kuvhota musarudzo dzichaitwa muna 2023.

Mitambo yeChibuku Super Cup yotsviriridza mukupera kwesvondo

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG