Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 19, 2021


Shona Headlines

Munhu mumwe chete akafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vanhu makumi matatu nevanomwe vakabatwa nehirwere ichi nezuro wakare.

Masangano evatori venhau oshushikana zvikuru nekurambidzwa kuri kuitwa vatori venhau kutaura nenhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, avo vari kushanya munyika.

Masangano anowongorora sarudzo munyika pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika anoti nzvimbo dzekunyoresa kuvhota dziri kuvhurwa neZimbabwe Electoral Commission, ishoma zvikuru.

Sangano reYouth Coalition on Electoral Reforms rinoti harisi kufara nemhirizhonga iri kuitika munyika pamberi pesarudzo dzemuna 2023 zvikuru sei mhirizhonga yakaitika kuMasvingo kwakapwanywa motokari yemutungamiri weMDC Allaince, VaNelson Chamisa, pamwe neiri kuitika musarudzo dzemuZanu PF.

Bhanga rinokweretesa pasi rose reInternational Monetary Fund rinoti hupfumi hweZimbabwe mukupera kwegore huchakwira nezvikamu zvinodarika zvishanu nechiga chimwe chete kubva muzana kana kuti 5.1% kwete zvinodarika zvitanhatu kubva muzana sezvarainge rakatarisira.

Asi hurumende ichiri kutarisira kuti hupfumi hunokwira nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,8%.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG