Hurumende inoti vashandi vayo vanga vasati vazadzisa kurudziro yekuti vange vabaiwa nhomba yekudzvirira Covid-19 kusvika panopera zuva ranhasi havazobvumidzwi kumabasa uye vacharangwa nemhosva yekusatevera mutemo. Asi mamwe masangano evashandi ari kukurudzira hurumende kuti iwanise nhomba dzakakwana uye kubhadhara vashandi mihoro inovagutsa.
Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vanomwe (7) vakafa nechirwere checovid-19 munyika yose, uye vamwe vanhu zana nemakumi mana nevatatu (143) vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.
Bato rinopikisa reMDC Alliance pamwe nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu voshoropodza mapurisa vachiti haana kuita basa rawo nemazvo uye vakatora divi nekusasunga vatsigiri veZanu PF vaiita mhirizhonga kuMasvingo pakushanya kwaVaNelson Chamisa mudunhu iri svondo rino
Vagari vekuMola mudunhu reNyaminyami kuMashonaland West vanoti
zvipfuwo zvavo zviri kupera nekudyiwa nemhuka dzesango dzakaita
seShumba.
Madzimai anotambira nemufaro chirongwa chekuti vange vachivhenekwa gomarara remumazamu vachibhadhara dhora rekuAmerica rimwechete chiri kuitwa ne Cancer Association of Zimbabwe mumwedzi uno waGumiguru, unove mwedzi wekucherechedza gomarara.
Mutambo mukuru wezvikwata zvemuHarare kana kuti Harare Derby pakati peCaps United neDynamos uri kutambirwa kunze kweHarare kekutanga munhoroondo yenhabvu muZimbabwe.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yedenda reCovid-19 uye danhpo rehurumende rekuti vashandi vayo vose vange vabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 panopera zuva ranhasi, kukundikana votorerwa matanho.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave
Facebook Forum