Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru14, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vatatu vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vanhu makumi mapfumbamwe nevaviri vakabatwa nehirwere ichi nezuro wakare.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhura zviri pamutemo kambani inogadzira zvidyiwa kubva mumichero nemiriwo, yeMutoko Royal Fruit and Vegetable Processing Hub iri kwaMutoko.

Mapato eMDC Alliance neZanu-PF otatsurana panyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika iyo yasimudza musoro pamberi pesarudzo dzichaitwa muna 2023.

Kanzuru yeHarare iri kutsvaga nyanzvi munyaya dzezvicherwa kuti dziibatsire pakuvhara makomba ari kusiiwa nemakambani ari kuchera ivhu rekugadzira migwagwa nekuvakisa kuWarren Park.

Hurumende yokurudzirwa kuti iumbe homwe yekubatsira vanenge vabatwa nechirwere chegomarara chero ripi zvaro, vamwe vevakarwara negomarara repazamu vachiti izvi zvinogona kudzikisa huwandu hwevanhu vanofa nekuda kwechirwere ichi.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG