Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru13, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vaviri vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vanhu zana nemakumi mana nemumwe chete vakabatwa nehirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vakwanda vari kuda kubayiwa nhomba yeCovid-19 munzvimbo dziri pasi pekanzuru yeHarare vanoti vari kupedza nguva yakareba vari mumitsetse izvo zvinogona kuvaisa panjodzi yekubatwa nechirwere ichi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hurumende yavo ine hurongwa hwekusimudzira hupenyu hwevanhu vakaremara.

Sangano reZimbabwe Human Rights Associatio riri kuyambira kuti munyika mungona kuita mhirizhonga inotyisa pamberi pesarudzo dza2023 kana mapurisa akatora divi sezvaari kupomerwa kuti ari kuita achitadza kusunga vatsigiri veZanu-PF vari kupomerwa mhosva yekurwisa vatsigiri veMDC Alliance

Zimbabwe inobatana nenyika dzepasi rose mukucherehedza zuva reInternational Day of Disaster Risk Reduction

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaAugustine “Gus” Mhlanga vari kuArizona muAmerica, avo vane kambani inobatsira vana vechikoro vanobva kuZimbabwe nemabasa ekuti vakwanise kuzviriritira vachiita zvidzidzo zvavo kuno kuAmerica.

Akafanobata chigaro chemurairidzi weZimbabwe Warriors, Norman Mapeza, anoti ino yave nguva yekukanganwa zveWorld Cup yoitwa nguva yekusimudzira gadziriro yemafainari e2021 Africa Cup of Nations

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG