Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chishanu Gumiguru 08, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Apo hurumende ichiramba yakasimba nerekuti vashandi vayo vose ngavabaiwe rimwe remasangano anomirira varairidzi rinonyora gwaro kuhurumende rekuti richishora danho iri.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti munhu mumwe chete akafa nechirwere checovid-19 munyika yose, uye vamwe vanhu makumi masere nevapfumbamwe (89) vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora vanokurudzira kuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo sarudzo dzisati dzaitwa, uye vanokurudzirawo kubviswa kwezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika panguva iyo bato ravo riri kugadzirira kuita nhaurirano nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Svikiro redunhu reVhuti nemhuri dzinodarika zana vakabviswa papurazi reWaterloo neChitatu zvichinzi vagere panzvimbo iyi zvisiri pamutemo.

Vamwe vabereki kuMasvingo vari kuchema chema nenyaya dzehuori dziri kupomerwa vamwe vakuru vezvikoro kunyangwe vari kutatarika kubhadhara mari iyi kuti vana vavo vaende kuzvikoro.

Chikwata chenhabvu yevanhurume cheZimbabwe, chemaWarriors, chiri panguva yakaoma apo chiri kupinda munhandare yeCoastal International Stadium muGhana mangwana mumutambo wacho wekutanga neGhana mumakwikwi ekuenda ku2021 World Cup.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 uye zviri kuitika munyika munyaya dzezvematongerwo enyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG