Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi matatu kana kuti 4, 630.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vavhura chikamu chechina cheparamende yechipfumbamwe vachiti hupfumi hwenyika huri kukura kunyange hazvo nyika yakatemerwa zvirango zvehupfumi uye kuine denda reCovid-19.
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti vemabhizimisivari kutengesa zvinhu nemutengo wedhora rekuAmerica vachatorerwa marezinesi.
Vagari vekuMasvingo vochema chema nevakuru vezvikoro vari kupomerwa mhosva yekuba mari dzavanenge vabhadhara.
Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya kurudziro iri kubva kune vamwe mubapato reZanu PF pasi pe #FiveMoreYears yekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vapiwe mamwe makore mashanu kuitira kuti vapedze zvirongwa zvebudiriro zvavakatanga, panguva iyo MDC-T iri kutiwo sarudzo dza2023 dzisendekwe parutivi kuitira kuti patange paitwa hurukuro dzinopedza mutauro mushure mesarudzo.
Muchirongwa cheWomens Round Table na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 uye zviri kuitwa nemadzimai munguva ino yekurwisana nedenda iri.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum