Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 05, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti hapana munhu akafa nekuda kweCovid-19, uye vanhu makumi manomwe nevatanhatu (76) vakawanikwa vaine denda iri nyika yose, vashanu vavo vari vana vechikoro mudunhu reManicaland.

Nyanzvi dzehutano dzinoti dziri kushushikana nekuderera kwehuwandu hwevanhu vave kubayiwa nhomba yekudzivirira denda iri.

Vararidzi munyika vanocherechedza zuva reWorld Teachers Day vachinyunyuta pamusoro nemaitiro ehurumende ekuita zano ndega izvo vanoti zviri kuita kuti dzidzo yemunyika irambe ichiwondomoka.

Vamwe vakuru vakuru muZimbabwe vanodomwa nePandora Papers sevanhu vari pamberi mukuita huori vachiburitsa mari kunze kwenyika, izvo zviri kuopa kuti hurumende irasikirwe nemari yemitero pamari dziri kunze kwenyika idzi.

Kushaya simba kwedhora remunyika kwave kukonzera kugeda geda kwemeno muhurumende sezvo mitengo yezvinhu yatanga kukwira zvakanyanya zvotyirwa kuti zvinogona kukonzera kusagadzikana

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG