Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 30, 2021


Mapurisa ambochengetedza nhasi vatori venhau vapfumbamwe avo vanga vachiona kuratidzira kwanga kuchiitwa nevechidiki veMDC Alliance muHrarae mushure mekunge vamiriri veMDC Alliance varambidzwa neZimbabwe Electoral Commission kupinda mumusangano wanga uchizeya nyaya dzinobata sarudzo

Chirongwa cheHarare Agricultural Show chinovhurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachikurudzira kuvandudzwa kwenzira dzekurima.

Munhu mumwe chete akafa neCovid-19 nezuro uye vamwe vanhu mazana maviri negumi nevatatu vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare, panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 huri kuramba huchiderera.

Mhuri yemumwe murume akaurayiwa nenzou muguta reKwekwe mwedzi wapera inoti ichiri kurwadziwa zvikuru uye inoshushikana nekwainoti kusabatwa zvakanaka kwakaita nyaya iyi neZimbabwe Parks and Wildlife Authority kana kuti Zimparks

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zvimhingamupinyi zviri kusangana nevanhukadzi pamwe nevechidiki mukunyoresa kuvhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG