Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 29, 2021


Vanhu vasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana matatu nemakumi mana nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mukuru anoona nezvekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika, Dr Agness Mahomva, vari kukurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba yeCovid-19 apo huwandu hwevari kueda kunobayiwa hwadzikira pane zvinotarisirwa nehurumende.

Mukuru wevatongi vematare edzimhosva munyika, Justice Luke Malaba, nhasi vatoresa mhiko vatongi vapfumbamwe vatsva vedare repamusoro avo vakadomwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Chirongwa cheUnited States Students Achievers Program chokurudzira vadzidzi vanoshaya kunyoresa nechirongwa ichi kuitira kuti vaenderere mberi nedzidzo yavo yeOrdinary Level pamwe Lower Sixth muna Ndira 2022.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naDoctor Moses Rumano, avo vanove chizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu reOhio muAmerica vave kuwanisa vana vekumusha pamwe nevekune dzimwe nyika upfu hwesadza kuburikidza nekambani yavo yeRumano Milling, iyo iri kugaya upfu hwemugaiwa nengwerewere ichitengesa muAmerica makare.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG