Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 28, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Zviratidzwa zveHarare Agricultural Show zvatanga nhasi paine kurudziro yekuti varimi pamwe nevemakambani ezvicherwa, havafaniri kupokana asi kuti vanofanira kushanda pamwe chete mukusimudzira mabasa avo pamwe nehupfumi hwenyika.

Nhumwa yakakosha yeUnited Nations inoona nezvekodzero dzevanhu yotarisirwa kushanyira Zimbabwe kubva musi wa 18 kusvika musi wa 28 Gumiguru kuti vanzwisise pamwe nekuzvionera voga pamhino sefodya kuti zvirango zvinonzi nehurumende zvakatemerwa Zimbabwe zviri kukanganisa zvakadii kodzero dzevanhu.

Varimi vekumaruwa vochema chema zvikuru nekudhura kuri kuita mitengo yembeu nefotereza panguva iyo vamwe varimi vasati vabhadharwa chibage chavakatengesera Grain Marketing Board gore rino.

Makundano enhabvu eChibuku Super Cup ari kutanga mangwana nemitambo ichatambirwa muBulawayo, Mutare neZvishavane.

Muchirongwa cheThe Connetion na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika panguva iyo pasi rose rakatarisana nedambudziko rechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG