Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 24, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Dare redzimhosva repamusoro rakadzosa zvakare nhengo nhanhatu dzeMDC Alliance dzinosanganisira VaTendai Biti mudare repamaremende richiti kudzingwa kwavakaitwa neMDC-T kwainge kusiri pamutemo. Aka ndekechipiri dare richipa mutongo wakadai, asi mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vakaramba kutambira mutongo wekutanga.

Bazi rezvehutano rinozivisa kuti vanhu vasere vakafa neCovid-19 nezuro uye vamwe mazana matatu nemakumi matatu (330) vakawanikwa vaine Covid-19 nezuro wakare. Pavanhu ava, mazana maviri nemakumi maviri nevapfumbamwe (229) kana kuti zvikamu makumi matanhatu nezvipfumbamwe kubva muzana vari vana vachikoro.

Apo mabhodha eZimbabwe achakavharwa kune veruzhinji, chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakavhura kambani nechinangwa chekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvikwanise kunotora mapasipoti kumusha.

Varairidzi vezvikwata zvenhabvu yepamusoro yePremier Soccer League, vagadzirira kudzoka kwemitambo zvekuti vatononokerwa nekutanga kwayo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika panguva iyo pasi rose rakatarisana nedambudziko rechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG