Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 22, 2021


Vanhu vanomwe vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana maviri nemakumi manomwe nevasere vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Chirwere cheCovid-19 chovhiringa zvakanyanya vanma vechikoro panguva iyo zvikoro zviri kunzi hazvina zvikwanisiro zvakakwana.

MDC-T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora inoti yava kuita nhaurirano nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, ukuwo MDC Alliance ichiti nhaurirano dzemunyika dzinofanirwa kuitwa pakati paVaNelson Chamisa naVaMnangagwa.

Dare reConstitutional Court rinorasa mutongo wedare reHigh Court wakati Justice Luke Malaba vaende pamudyandigire sezvo vakanga vasvika makore makumi manomwe ekuberekwa.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti makambani anofanirwa kushanda zvakasimba kuitira kuti nyika iwane zvose zvainoda zvisineyi kuti kune denda reCovid-19.

Studio7 inotaura nemukuru weZimbabwe Diaspora Nation Building Initiative, Doctor Paul Matsvai, pamusoro pemabasa ari kuitwa nesangano ravo, zvikuru pakugadziridzwa kwemutemo weZimbabwe Diaspora Policy.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zviZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG